MENU

Where the world comes to study the Bible

Hurongwa hwaMwari hwoRuponeso

Related Media

1 Johani 5:11-12 Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake. Uyo ane Mwanakomana ane hupenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana  upenyu.

Ndima iyi inotitaurira kuti  Mwari akatipa hupenyu husingaperi, uye kuti upenyu uhu huri muMwanakomana wavo, Jesu Kristu. Namamwe mashoko, nzira yokugamuchira upenyu husingaperi kugamuchira Mwanakomana waMwari. Mubvunzo ndowekuti, Ko munhu anogamuchira sei Mwanakomana waMwari?

Dambudziko roMunhu

Kuparadzaniswa naMwari

Isaya 59:2 Asi zvakaipa zvenyu zvakakuparadzanisai naMwari wenyu; zvivi zvenyu zvakavanza chiso chake kwamuri kuti arege kunzwa.

VaRoma  5:8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.

Maringe nendima yaVaRoma 5:8, Mwari vakaratidza rudo rwavo kuburikidza norufu rwoMwanakomana wavo. Chikonzero nei Kristu vakafira zvivi zvedu? Nokuti magwaro matsvene anotaura kuti vanhu vose vakatadza. Chitadzo, chivi, kanakuti chitema, kutaira, kushota kana kukundikana kusvika pakatarwa naMwari. Bhaibheri, shoko raMwari rinotaura kuti “...vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya (kutsvene kuzere) kwaMwari.” Namamwe Mashoko, zvivi zvedu zvinotiparadzanisa naMwari mutsvene, Mwari vakarurama uye vanotonga zvakarurama nokudaro Mwari vanofanira kutonga munhu mutadzi.

Habhakuki 1:13a Meso enyu akachena zvokuti haangatarisi zvakaipa; hamungatenderi zvakaipa.

C:\Users\wwizalamu.hp-HP\Pictures\compressed translations\Translation 1.jpg

Kusakwana kwemabasa edu

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti hapana kunaka kwemunhu, kana kuzviita mutsvene kwemunhu, kana mabasa akanaka angaitwa nemunhu, kana zviito zvechinamato zvinogona kuita kuti munhu agamuchirwe naMwari kana kugonesa munhu kuti apinde denga. Munhu anozviti akanaka, munhu wechinamati, munhu akaipa pamwe nemunhu asina chinamati vose vane rimwe. Vose havana kukwana pakururama kwaMwari. Mushure mekukurukura pamusoro pevakadai mutsamba yaakanyorera vaRoma 1:18 kusvika vaRoma 3:8, muApostora Pauro anotaura kuti vose maJudha navaHedheni vari pasi pezvivi, vuye kuti “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe” vaRoma 3:9-10. Kupamhidzira kushoko iri tinowana kutaura kwendima inotevera:

VaEfeso 2:8-9 Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete nemabasa kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

Tito 3:5-7 Akatiponesa kwete nekuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya mutsvene, uyo waakadurura wakawanda kwazvo pamusoro pedu kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, kuitira kuti mushure mokunge tashayirwa mhosva nenyasha dzake, tive vadyi venhaka tiine tariro youpenyu husingaperi.

VaRoma 4:1-5 Zvino tichati  Abhurahama, tateguru wedu panyama akawaneiko pazviri? Nokuti dai Abhurahama akashayirwa mhosva nemabasa angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. Ko rugwaro runoti kudiniko? Abhurahama akatenda Mwari uye kukanzi kwaari ndiko kururama. Zvino munhu kana achiita basa mubairo wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubairo wakamufanira. Asi kumunhu asingashandi asi achitenda Mwari uyo anoshayira mhosva munhu akaipa kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama

C:\Users\wwizalamu.hp-HP\Pictures\compressed translations\Translation 3.jpg

Zvisinei nokuti kunaka kwomunhu kwakadini hazvigoni kuenzaniswa naMwari. Mwari akarurama zvizere.  Nokudaro Habhakuki 1:13 inotionesa kuti Mwari akarurama zvakakwana haagoni kuwadzana nani kana ani zvake ane kururama kusina kukwana. Kuti Mwari vatigamuchire tinofanira kunge takakwana saivo. Pamberi paMwari takashama, kunze kwaMwari hatina mubatsiri, uye tinoshaiwa tariro matiri. Hapana mararamiro akanaka atinogona kuita pachedu angagone kutipinza denga kana kutiwanisa upenyu husingaperi. Zvakadaro mhinduro ndeipi?

Mhinduro yaMwari

Mwari haazi mutsvene basi watisingagone kusvikira tomene nekururama kwedu, asi Mwari Rudo zvekare uye azere nenyasha pamwe ne tsitsi. Nokuda kwerudo rwake, nenyasha dzake Haana kutisiya tisina tariro nemhinduro.

VaRoma  5:8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.

Aya ndiwo mashoko omufaro, namamwe mashoko nhau dzakanaka dzeBhaibheri, iro shoko reVhangeri nekumwe kutaura. Ishoko riripamusoro pchipo chaMwari, mwanakomana wavo amene akava munhu, akararama asina chivi, akafa rufu rwokuroverwa pamuchinjikwa achifira zvivi zvedu, akamutsva kubva muguva kuratidza pachena kuti aivaMwana waMwari, uye kuratidza kukosha kworufu rwake panzvimbo yedu

VaRoma 1:4 Uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa;

VaRoma 4:25 Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokushayirwa mhosva kwedu

2 VaKorinde 5:21 Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari

1 Petro 3:18 Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kunaMwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya.

C:\Users\wwizalamu.hp-HP\Pictures\compressed translations\Translation 2.jpg

Tinogamuchira sei mwana waMwari?

Nokuda kwebasa rakapedzwa naJesu kristu pamuchinjikwa, Bhaibheri rinoti “Ane Mwanakomana ane hupenyu” Tinogona kugamuchira mwanakomana waMwari Jesu Kristu, saMuponesi nokutenda kwedu, tichivimba naye norufu rwake achifira zvivi zvedu.

Johane 1:12 Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari.

Johani 3:16 Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani nani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi. Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe kubudikidza naye. Ani naani anotenda kwaari haatongwi, asi ani naani asingatendi atotongwa nokuti haana kutenda muzita roMwanakomana mumwe oga waMwari.

Izvi zvinoreva kuti mumwe no mumwe wedu anouya kunaMwari nenzira imwe: (1) chokutanga, semutadzi anonzvisisa kuipa kwake kwake, (2) chechipiri, mutadzi anonzwisisa kuti hapana mabasa angaitwa nemunhu anga muponesa, uye (3) chechitatu, kuvimba zvizere pana Kristu oga nokutenda maari bedzi kuti uponeswe.

Kana uchida kugamuchira uye nokuvimba naJesu Kristu so muponesi wako, ungada kuratidza kutenda kwako nomunamato uri nyore wokubvuma zvivi, wogamuchira kuregererwa uchiisa kutenda kwako munaKristu kuti akuponese.

Kana wavimba naKristu sokudaro, unofanira kudzidza zvoupenyu hutsva uhwu uye kuti ungaenderera mberi sei uchifamba nakristu. Unogona kutanga nokuverenga zvinyorwa zvinotevera zvinonzi  Ma ABC okukura muchiKristu”. Zvinyorwa izvi zvinokutora nhano imwe neimwe kupfuura nemuzvidzidzozvine hwaro hweshoko raMwari zvichikubatsira kuvaka nheyo yakasimba yokutenda kwako munaKristu

Related Topics: Soteriology (Salvation)

Report Inappropriate Ad